1 MAKORONIKE  
 1
Zvinyorwa zvenhoroondo kubva kuna 
Adhamu kusvika kuna Abhurahama 
Kusvika kuvanakomana vaNoa 
 1 Adhamu, Seti, Enoshi, 
 2 Kenani, Maharareri, Jaredhi, 
 3 Inoki, Metusera, Rameki, 
Noa. 
 4 Vanakomana vaNoa vaiva: Shemu, Hamu, naJafeti. 
VaJafeti 
 5 Vanakomana vaJafeti vaiva: 
Gomeri, Magogi, Madhai, Javhani, Tubhari, Mesheki naTirasi. 
 6 Vanakomana vaGomeri vaiva: 
Ashikenazi, Rifati naTogarima. 
 7 Vanakomana vaJavhani vaiva: 
Erisha, Tashishi, Kitimi naRodhanimi. 
VaHamu 
 8 Vanakomana vaHamu vaiva: 
Kushi, Miziraimi, Puti naKenani. 
 9 Vanakomana vaKushi vaiva: 
Sebha, Havhira, Sabata, Raama naSabhiteka. 
Vanakomana vaRaama vaiva: 
Shebha naDedhani. 
 10 Kushi aiva baba vaNimurodhi; 
uyo akakura akava murwi mukuru panyika. 
 11 Miziraimi aiva baba 
vavaRudhi, vaAnami, vaRehabhi, vaNafutuhi,  12 vaPatiri, vaKasiruhi (umo makazobvawo vaFiristia) navaKafitori. 
 13 Kenani aiva baba 
vaSidhoni dangwe rake, nevaHiti,  14 vaJebhusi vaAmori, vaGirigashi,  15 vaHivhi, vaAriki, vaSini,  16 vaArivhadhi, vaZemari nevaHamati. 
VaSemi 
 17 Vanakomana vaShemu vaiva: 
Eramu, Ashua, Arifakisadhi, Rudhi naAramu. 
Vanakomana vaAramu vaiva: 
Uzi, Huri, Geteri naMesheki. 
 18 Arifakisadhi aiva baba vaShera, 
uye Shera aiva baba vaEbheri. 
 19 Vanakomana vaviri vakaberekerwa Ebheri: 
mumwe ainzi Peregi, nokuti panguva yake nyika yakanga yakakamurana; mununʼuna wake ainzi Jokitani. 
 20 Jokitani aiva baba 
vaArimodhadhi, Sherefi, Hazarimavheti, Jera,  21 Hadhoramu, Uzari, Dhikira,  22 Obhari, Abhimaeri, Shebha,  23 Ofiri, Havhira naJobhabhi. Ava vose vaiva vanakomana vaJokitani. 
 24 Shemu, Arifakisadhi, Shera, 
 25 Ebheri, Peregi, Reu, 
 26 Serugi, Nahori, Tera 
 27 naAbhurama (iye Abhurahama). 
Mhuri yaAbhurahama 
 28 Vanakomana vaAbhurahama vaiva: Isaka naIshumaeri. 
Zvizvarwa zvaHagari 
 29 Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvavo: 
Nebhayoti dangwe raIshumaeri, Kedhari, Adhibheeri, Mibhisami,  30 Mishima, Dhuma, Masa, Hadhadhi, Tema,  31 Jeturi, Nafishi, naKedhema. 
Ava ndivo vaiva vanakomana vaIshumaeri. 
Zvizvarwa zvaKetura 
 32 Vanakomana vakaberekwa naKetura, murongo waAbhurahama vaiva: 
Zimirani, Jokishani, Medhani, Midhiani, Ishibhaki naShua. 
Vanakomana vaJokishani vaiva: 
Shebha naDhedhani. 
 33 Vanakomana vaMidhiani vaiva: 
Efa, Eferi, Hanoki, Abhidha naEridha. 
Ava vose vaiva zvizvarwa zvaKetura. 
Zvizvarwa zvaSara 
 34 Abhurahama aiva baba vaIsaka. 
Vanakomana vaIsaka vaiva: 
Esau naIsraeri. 
Vanakomana vaEsau 
 35 Vanakomana vaEsau vaiva: 
Erifazi, Reueri, Jeushi, Jaramu, naKora. 
 36 Vana vaErifazi vaiva: 
Temani, Omari, Zefo, Gatami, naKenazi; 
naTimina, vakabereka Amareki. 
 37 Vanakomana vaReueri vaiva: 
Nahati, Zera, Shama naMiza. 
VaSeiri muEdhomu 
 38 Vanakomana vaSeiri vaiva: 
Rotani, Shobhari, Zibheoni, Ana, Dhishoni, Ezeri naDhishani. 
 39 Vanakomana vaRotani vaiva: 
Hori naHomami, Timina aiva hanzvadzi yaRotani. 
 40 Vanakomana vaShobhari vaiva: 
Arivhani, Manahati, Ebhari, Shefo naOnami. 
Vanakomana vaZibheoni vaiva: 
Aya naAna. 
 41 Mwanakomana waAna 
ainzi Dhishoni. 
Vanakomana vaDhishoni vaiva: 
Hemidhani, Eshibhani, Itirani naKerani. 
 42 Vanakomana vaEzeri vaiva: 
Bhirihani, Zaavhani naAkani. 
Vanakomana vaDhishani vaiva: 
Uzi naArani. 
Vatongi veEdhomu 
 43 Aya ndiwo aiva madzimambo aitonga muEdhomu kusati kwava namambo upi zvake aitonga muIsraeri vaiva: 
Bhera mwanakomana waBheori, guta rake rainzi Dhinihabha. 
 44 Bhera paakafa, Jobhabhi mwanakomana waZera aibva kuBhozira akamutevera paumambo. 
 45 Jobhabhi paakafa, Hushami aibva kunyika yevaTemani akamutevera paumambo. 
 46 Hushami paakafa, Hadhadhi mwanakomana waBhedhadhi uyo akakunda Midhiani munyika yaMoabhu akamutevera paumambo. Guta rake rainzi Avhiti. 
 47 Hadhadhi paakafa Samira aibva kuMasireka akamutevera paumambo. 
 48 Samira paakafa, Shauri aibva kuRehobhoti parwizi akamutevera paumambo. 
 49 Shauri paakafa Bhaari Hanani mwanakomana waAkibhori akamutevera paumambo. 
 50 Bhaari Hanani paakafa, Hadhadhi akamutevera paumambo. Guta rake rainzi Pau uye mudzimai wake ainzi Mehetabheri, mwanasikana waMatiredhi, mwanasikana waMe-Zahabhi.  51 Hadhadhi akafawo. 
Madzishe eEdhomu aiva: 
Timina, Arivha, Jeteti  52 Ohoribhama, Era, Pinoni,  53 Kenazi, Temani, Mibhiza,  54 Magidhieri naIrami. 
Aya ndiwo aiva madzishe eEdhomu.