15
Vatumwa Vanomwe naMatenda Manomwe 
 1 Ndakaona kudenga chimwe chiratidzo chikuru chinoshamisa ichi: vatumwa vanomwe namatambudziko manomwe okupedzisira, nokuti nawo hasha dzaMwari dzakapera.  2 Uye ndakaona chairatidzika segungwa regirazi rakavhenganiswa nomoto uye parutivi rwegungwa pakanga pamire, avo vakanga vakunda chikara nomufananidzo wacho nechiverengo chezita racho. Vakabata madimbwa avakanga vapiwa naMwari  3 uye vakaimba rwiyo rwaMozisi muranda waMwari norwiyo rweGwayana, vachiti: 
“Mabasa enyu makuru uye anoshamisa, 
Ishe Mwari Wamasimba Ose. 
Nzira dzenyu dzakarurama uye ndedzechokwadi, 
imi Mambo wamakore. 
 4 Ndianiko angarega kukutyai, imi Ishe, 
kana kukudza zita renyu? 
Nokuti ndimi moga mutsvene. 
Ndudzi dzose dzichauya 
dzigonamata pamberi penyu, 
nokuti mabasa enyu akarurama akaratidzwa.” 
 5 Shure kwaizvozvi ndakatarira kudenga, uye temberi, iyo tabhenakeri yeChipupuriro, yakanga yakazaruka.  6 Mutemberi makabuda vatumwa vanomwe vana matambudziko manomwe. Vakanga vakapfeka nguo dzomucheka wakachena, unopenya uye vakamonera mabhanhire egoridhe pazvipfuva zvavo.  7 Ipapo chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakapa kuvatumwa vanomwe ndiro nomwe dzizere nehasha dzaMwari, iye anogara nokusingaperi-peri.  8 Uye temberi yakazadzwa noutsi hunobva pakubwinya kwaMwari napasimba rake, uye hakuna munhu aigona kupinda mutemberi kusvikira matambudziko manomwe avatumwa vanomwe apera.