Pisarema 142
Masikiri raDhavhidhi. Paakanga ari mubako. Munyengetero. 
 1 Ndinodanidzira nenzwi guru kuna Jehovha; 
ndinosimudzira inzwi rangu kuna Jehovha, kuti andinzwire nyasha. 
 2 Ndinodurura kugununʼuna kwangu pamberi pake; 
ndinotaura nhamo dzangu pamberi pake. 
 3 Mweya wangu paunoziya mandiri, 
imi ndimi munoziva nzira yangu. 
Munzira mandinofamba, 
vanhu vakandivanzira misungo. 
 4 Tarirai kurudyi rwangu mugoona; 
hakuna ane hanya neni. 
Handina utiziro; 
hakuna ane hanya noupenyu hwangu. 
 5 Ndinochema kwamuri, imi Jehovha; ndinoti, 
“Ndimi utiziro hwangu, 
nomugove wangu munyika yavapenyu.” 
 6 Teererai kuchema kwangu, 
nokuti ndiri pakushayiwa kukuru; 
ndinunurei kuna avo vanondidzinganisa, 
nokuti vanondikurira simba. 
 7 Ndibudisei mutorongo, 
kuti ndirumbidze zita renyu. 
Ipapo vakarurama vachandipoteredza 
nokuda kwokunaka kwenyu kwandiri.