Pisarema 120
Rwiyo rworwendo. 
 1 Ndinodana kuna Jehovha mukutambudzika kwangu, 
uye anondipindura. 
 2 Haiwa Jehovha, ndiponesei pamiromo inoreva nhema, 
nendimi dzinonyengera. 
 3 Achaiteiko kwauri, 
uye chimwe chiiko kunze kwezvizvi, iwe rurimi runonyengera? 
 4 Achakuranga nemiseve yakapinza yemhare, 
namazimbe anopfuta omuti womurara. 
 5 Ndine nhamo ini ndinogara muMesheki, 
kuti ndinogara pakati pamatende eKedhari! 
 6 Ndakagara nguva refu 
pakati pavanovenga rugare. 
 7 Ndiri munhu worugare; 
asi pandinotaura, ivo ndevehondo.