Pisarema 100
Pisarema rokuvonga. 
 1 Danidzirai nomufaro kuna Jehovha, imi nyika dzose. 
 2 Shumirai Jehovha nomufaro; 
uyai pamberi pake nenziyo dzomufaro. 
 3 Zivai kuti Jehovha ndiye Mwari. 
Ndiye akatisika, uye tiri vake; 
tiri vanhu vake, namakwai anofudzwa naye. 
 4 Pindai pamasuo ake nokuvonga 
nomuvanze dzake nokurumbidza; 
chimuvongai uye murumbidze zita rake. 
 5 Nokuti Jehovha akanaka uye rudo rwake runogara nokusingaperi; 
kutendeka kwake kunoramba kuripo kuzvizvarwa zvose.