Pisarema 20
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. 
 1 Jehovha ngaakupindure paunotambudzika; 
zita raMwari waJakobho ngarikudzivirire. 
 2 Ngaakutumire rubatsiro runobva panzvimbo tsvene, 
uye akupe rutsigiro runobva kuZioni. 
 3 Ngaarangarire zvibayiro zvako zvose 
uye agogamuchira zvibayiro zvako zvinopiswa. 
Sera 
  4 Ngaakupe zvinodikanwa nomwoyo wako, 
uye aite kuti urongwa hwako hwose hubudirire. 
 5 Tichadanidzira nomufaro pakukunda kwako, 
uye tichasimudza mireza yedu muzita raMwari wedu. 
Jehovha ngaakupe zvose zvawakakumbira. 
 6 Zvino ndava kuziva kuti Jehovha anoponesa muzodziwa wake; 
anomupindura ari kudenga rake dzvene, 
nesimba rokuponesa kworuoko rwake rworudyi. 
 7 Vamwe vanovimba nengoro, vamwe namabhiza, 
asi isu tinovimba nezita raJehovha Mwari wedu. 
 8 Vanowisirwa pasi namabvi avo vagowa, 
asi isu tinosimuka tigomira takasimba. 
 9 Haiwa Jehovha, ponesai mambo! 
Tipindurei patinodana!