Pisarema 13
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. 
 1 Kusvikira riniko, nhai Jehovha? Muchandikanganwa nokusingaperi here? 
Muchasvika riniko makandivanzira chiso chenyu? 
 2 Ndichaita mutsimba nepfungwa dzangu kusvikira riniko, 
uye ndine shungu mumwoyo mangu zuva rimwe nerimwe? 
Muvengi wangu achandikurira kusvikira riniko? 
 3 Tarirai kwandiri mugondipindura, imi Jehovha Mwari wangu. 
Vhenekerai meso angu, kana kuti ndichafa ndakarara; 
 4 muvengi wangu achati, “Ndamukurira ndamukunda,” 
uye vadzivisi vangu vachapembera kana ndawa. 
 5 Asi ini ndinovimba norudo rwenyu rusingaperi; 
mwoyo wangu unofarira ruponeso rwenyu. 
 6 Ndichaimbira Jehovha, 
nokuti akandinakira.