Pisarema 11
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. 
 1 Ndinovanda muna Jehovha. 
Mungareva seiko kwandiri muchiti, 
“Tizira kugomo rako seshiri. 
 2 Nokuti tarira, vakaipa vanowembura uta hwavo; 
vanogadzirira miseve yavo parukungiso, 
kuti vapfure vari murima, 
uyo akarurama pamwoyo. 
 3 Kana nheyo dzaparadzwa, 
akarurama angaiteiko?” 
 4 Jehovha ari mutemberi yake tsvene; 
Jehovha ari pachigaro chake choushe chokudenga. 
Anocherechedza vanakomana vavanhu; 
meso ake anovaedza. 
 5 Jehovha anoedza vakarurama, 
asi vakaipa navanoda zvechisimba 
mweya wake unovavenga. 
 6 Pane vakaipa anonayisa 
mazimbe omoto nesafuri inopfuta; 
mhepo inopisa ndiwo uchava mugove wavo. 
 7 Nokuti Jehovha akarurama, 
anoda kururamisira; 
vanhu vakarurama vachaona chiso chake.