55
Kukokwa kwaVane Nyota 
 1 “Uyai imi mose mune nyota, 
uyai kumvura zhinji; 
nemi musina mari, uyai, 
mutenge uye mudye! 
Uyai mutenge waini nomukaka 
pasina mari uye pasina mutengo. 
 2 Ko, munopedzerei mari pazvinhu zvisati zviri zvokudya, 
nesimba renyu pazvinhu zvisingagutsi? 
Teererai, nditeererei mugodya zvakanaka, 
uye mweya yenyu ichafarira zvakakora zvezvakanaka. 
 3 Rerekai nzeve yenyu muuye kwandiri; 
ndinzwei kuti mweya yenyu irarame. 
Ndichaita sungano isingaperi nemi, 
iko kutendeka kworudo rwangu rwakavimbiswa kuna Dhavhidhi. 
 4 Tarirai, ndakamuita chapupu kumarudzi, 
mutungamiri nomukuru wamarudzi. 
 5 Zvirokwazvo uchakoka ndudzi dzausina kumboziva, 
uye ndudzi dzisingakuzive dzichamhanyira kwauri, 
nokuda kwaJehovha Mwari wako, 
Mutsvene waIsraeri, 
nokuti iye akakufukidza nokubwinya.” 
 6 Tsvakai Jehovha achawanikwa: 
danai kwaari achiri pedyo. 
 7 Akashata ngaasiye nzira yake, 
nomunhu akaipa mirangariro yake. 
Ngaadzokere kuna Jehovha, uye iye achamunzwira ngoni, 
nokuna Mwari wedu, nokuti achakanganwirwa zvikuru. 
 8 “Nokuti ndangariro dzangu hadzizi ndangariro dzenyu, 
uye nzira dzenyu hadzizi nzira dzangu,” 
ndizvo zvinotaura Jehovha. 
 9 “Sokukwirira kwakaita matenga kupfuura nyika, 
saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupinda dzenyu, 
nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu. 
 10 Sezvinoita mvura nechando 
zvinoburuka kubva kudenga, 
zvisingadzokeriko 
zvisina kudiridza nyika 
nokuita kuti ibukire uye ibereke zvakawanda, 
kuitira kuti iberekere mudyari wembeu, uye ipe chingwa kune anodya, 
 11 saizvozvo neshoko rangu rinobuda mumuromo mangu: 
Haringadzokeri kwandiri risina chinhu, 
asi richaita zvinondifadza, 
uye richaita zvandakarituma. 
 12 Muchabuda nomufaro, 
uye muchafambiswa murugare; 
makomo nezvikomo zvichapururudza 
uye zvichaimba rwiyo pamberi penyu, 
uye miti yose yeminda 
ichauchira maoko ayo. 
 13 Pachinzvimbo chomunzwa pachamera muti womupaini, 
pachinzvimbo chorukato pachamera mumite. 
Izvi zvichava mukurumbira waJehovha, 
nechiratidzo chokusingaperi, 
chisingazoparadzwi.”