16
Hagari naIshumaeri 
 1 Zvino Sarai, mukadzi waAbhurama, akanga asina kumuberekera vana. Asi iye akanga ano murandakadzi wechiIjipita ainzi Hagari;  2 saka akati kuna Abhurama, “Jehovha akandikonesa kubereka vana. Enda hako undovata nomurandakadzi wangu; zvimwe ndingaita mhuri kubudikidza naye.” 
Abhurama akabvuma zvakanga zvataurwa naSarai.  3 Saka shure kwokugara kwaAbhurama kwamakore gumi muKenani, Sarai mukadzi wake akatora Hagari murandakadzi wake wechiIjipita akamupa kumurume wake kuti ave mukadzi wake.  4 Akavata naHagari uye Hagari akabata pamuviri. 
Paakaziva kuti akanga ava napamuviri, akatanga kuzvidza tenzikadzi wake.  5 Ipapo Sarai akati kuna Abhurama, “Ndiwe waita kuti nditambudzike. Ndakaisa murandakadzi wangu mumaoko ako, uye zvino zvaava kuziva kuti ava napamuviri, ava kundizvidza. Mwari ngaatonge pakati pangu newe.” 
 6 Abhurama akati, “Murandakadzi wako ari mumaoko ako. Ita naye zvaunofunga kuti zvakaisvonaka.” Ipapo Sarai akabata Hagari zvakaipa; saka akatiza. 
 7 Mutumwa waJehovha akawana Hagari ari pedyo netsime raiva murenje; rakanga riri tsime rakanga riri parutivi pomugwagwa unoenda kuShuri.  8 Uye akati, “Hagari, murandakadzi waSarai, wabvepiko, uye uri kuendepiko?” 
Iye akati, “Ndiri kutiza kubva kuna tenzikadzi wangu Sarai.” 
 9 Ipapo mutumwa waJehovha akati kwaari, “Dzokera kuna tenzikadzi wako undozvininipisa pasi pake.”  10 Mutumwa akatizve, “Ndichawandisa zvizvarwa zvako zvokuti havangaverengeki.” 
 11 Mutumwa waJehovha akatiwo kwaari: 
“Iye zvino wava nemimba 
uye uchava nomwanakomana. 
Uchamutumidza zita rokuti Ishumaeri, 
nokuti Jehovha anzwa nezvokutambura kwako. 
 12 Achava mbongoro yomusango: 
ruoko rwake rucharwa navanhu vose 
uye ruoko rwavanhu vose rucharwa naye, 
uye achararama mukupesana 
nehama dzake dzose.” 
 13 Hagari akapa zita iri kuna Jehovha akataura naye akati: “Ndimi Jehovha anondiona,” nokuti akati, “Zvino ndaona Iye anondiona.”  14 Ndokusaka tsime rakanzi Bheeri Rahai Roi; richiripo, pakati peKadheshi neBheredhi. 
 15 Saka Hagari akaberekera Abhurama mwanakomana, uye Abhurama akapa zita rokuti Ishumaeri kumwanakomana waakanga abereka.  16 Abhurama akanga ava namakore makumi masere namatanhatu okuberekwa paakaberekerwa mwanakomana naHagari.