25
Vaimbi 
 1 Dhavhidhi, pamwe chete navatungamiri vehondo: vakatsaura vamwe vavanakomana vaAsafi, Hemani naJedhutuni kuti vaite ushumiri hwokuprofita kuchiridzwa mbira, mitengeranwa namakandira. Aya ndiwo mazita avarume vaiita basa iri. 
 2 Kubva kuvanakomana vaAsafi: 
Zakuri, Josefa, Netania naAsarera. Vanakomana vaAsafi vaitungamirirwa naAsafi uyo aiprofita achitungamirirwa namambo. 
 3 Kana ari Jedhutuni, kuvanakomana vake: 
Gedharia, Zeri, Jeshaya, Shimei, Hashabhia naMatitia, vatanhatu pamwe chete, vachitungamirirwa nababa vavo Jedhutuni uyo aiprofita achishandisa mbira mukuvonga nokurumbidza Jehovha. 
 4 Kana ari Hemani, kubva kuvanakomana vake: 
Bhukia, Matania, Uzieri, Shubhaeri naJerimoti; Hanania, Hanani, Eriata, Gidhariti naRomamiti-Ezeri; Joshibhekasha, Maroti, Hotiri naMahazioti.  5 Vose ava vaiva vanakomana vaHemani muoni wamambo. Akavapiwa kubudikidza nezvivimbiso zvaMwari kuti amukudze. Mwari akapa Hemani vanakomana gumi navana, navanasikana vatatu. 
 6 Varume vose ava vaitungamirirwa namadzibaba avo mukuimba mutemberi yaJehovha, nomukuridza makandira nemitengeranwa nembira, kuti vaite ushumiri paimba yaMwari. Asafi, Jedhutuni naHemani vaiva pasi pamambo.  7 Pamwe chete nehama dzavo, vose vakadzidzira uye vakava nyanzvi mukuimbira Jehovha, vaisvika mazana maviri amakumi masere navasere.  8 Vaduku navakuru pamwe chete, mudzidzisi pamwe chete nomudzidzi, vakakanda mijenya pakupiwa mabasa avo. 
 9 Mujenya wokutanga waiva waAsafi, wakawira pana Josefa, 
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 
wechipiri kuna Gedharia, 
iye nehama dzake navanakomana vake—gumi navaviri; 
 10 wechitatu kuna Zakuri, 
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 
 11 wechina kuna Iziri, 
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 
 12 wechishanu kuna Netania, 
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 
 13 wechitanhatu kuna Bhukia, 
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 
 14 wechinomwe kuna Jesarera, 
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 
 15 worusere kuna Jeshaya, 
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 
 16 wepfumbamwe kuna Matania, 
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 
 17 wegumi kuna Shimei, 
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 
 18 wegumi nomumwe kuna Azareri, 
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 
 19 wegumi nemiviri kuna Hashabhia, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 
 20 wegumi nemitatu kuna Shubhaeri, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 
 21 wegumi nemina kuna Matitia, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 
 22 wegumi nemishanu kuna Jerimoti, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 
 23 wegumi nemitanhatu kuna Hanania, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 
 24 wegumi neminomwe kuna Joshibhekasha, 
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 
 25 wegumi nemisere kuna Hanani, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 
 26 wegumi nemipfumbamwe kuna Maroti, 
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 
 27 wamakumi maviri kuna Eriata, 
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 
 28 wamakumi maviri nomumwe kuna Hotiri, 
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 
 29 wamakumi maviri nemiviri kuna Gidhariti, 
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 
 30 wamakumi maviri nemitatu kuna Mahazioti, 
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 
 31 wamakumi maviri nemina kuna Romamiti-Ezeri, 
vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri.