32
Erihu 
 1 Saka varume vatatu ava vakarega kupindura Jobho, nokuti akanga akarurama pakuona kwake.  2 Asi Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi, wemhuri yaRami, akatsamwira Jobho zvikuru nokuda kwokuzviruramisira kwake panzvimbo yokuti zviitwe naMwari.  3 Akatsamwirawo kwazvo shamwari nhatu idzi, nokuti vakanga vashayiwa nzira yokupikisa nayo Jobho, kunyange vakanga vambomupa mhosva.  4 Zvino Erihu akanga ambomira kutaura naJobho nokuti ivo vaiva vakuru kwaari.  5 Asi paakaona kuti varume vatatu ava vakanga vasisinazve chokureva, hasha dzake dzakamuka. 
 6 Saka Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi akati: 
“Ndiri muduku pamakore, 
uye imi muri vakuru; 
ndokusaka ndanga ndichitya, 
ndisingadi kukuudzai zvandinoziva. 
 7 Ndakafunga kuti, ‘Zera rinofanira kutaura; 
makore mazhinji anofanira kudzidzisa uchenjeri.’ 
 8 Asi ndiwo mweya uri mumunhu, 
kufema kwaWamasimba Ose, kunomupa kunzwisisa. 
 9 Havazi vakuru bedzi vakachenjera, 
kana vatana chete vanganzwisisa zvakanaka. 
 10 “Naizvozvo ndinoti: Nditeererei; 
neniwo ndichakuudzai zvandinoziva. 
 11 Ndakambomirira pamaitaura, 
ndakateerera pfungwa dzenyu; 
pamakanga muchitsvaka mashoko, 
 12 ndakanyatsokuteererai. 
Asi hakuna mumwe wenyu akapwisa Jobho; 
hakuna pamuri akapindura mashoko ake zvinogutsa. 
 13 Regai kuti, ‘Tawana uchenjeri; 
regai Mwari amukonese, kwete munhu.’ 
 14 Asi Jobho haana kunongedza mashoko ake kwandiri, 
uye handingamupinduri namashoko enyu. 
 15 “Vashamiswa uye havachina chokureva; 
vapererwa namashoko. 
 16 Ko, zvino ini ndingamirira here ivo zvavangonyarara, 
zvino zvavangomira ipapo vasina mhinduro? 
 17 Neniwo ndichava nechokutaura; 
neniwo ndichareva zvandinoziva. 
 18 Nokuti ndizere namashoko, 
uye mweya uri mandiri unondimanikidza; 
 19 mukati mangu ndafanana newaini iri muhomwe yakadzivirwa, 
sehomwe itsva dzewaini dzoda kuparuka. 
 20 Ndinofanira kutaura kuti ndirerukirwe; 
ndinofanira kushamisa muromo wangu ndigopindura. 
 21 Handina munhu wandichatsaura, 
uye handingabati kumeso munhu upi zvake; 
 22 nokuti dai ndaiva nyanzvi yokubata kumeso, 
Muiti wangu aizokurumidza kunditora.