25
Bhiridhadhi 
 1 Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati: 
 2 “Kubata ushe nokutyiwa ndezvaMwari; 
uye anosimbisa rugare kumusoro-soro kudenga. 
 3 Mauto ake angaverengwa here? 
Ndianiko asingavhenekerwi nechiedza chake? 
 4 Zvino munhu angava akarurama seiko pamberi paMwari? 
Ko, munhu akazvarwa nomukadzi angava akachena sei? 
 5 Kunyange dai mwedzi ukasachena, 
uye nyeredzi dzikasava dzakachena pamberi pake, 
 6 ndoda munhu zvake, iro gonye zvaro, 
iye mwanakomana womunhu, anongova gonye zvaro!”