18
Bhiridhadhi 
 1 Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati: 
 2 “Muchapedza kutaura uku riiniko? 
Chimbonyatsofungai, ipapo tigotaurirana hedu. 
 3 Tinobatirweiko semombe 
uye tichionekwa samapenzi pamberi penyu? 
 4 Iyewe unozvibvamburanya mukutsamwa kwako, 
nyika ingasiyiwa nokuda kwako here? 
Kana matombo angafanira kubviswa panzvimbo yawo here? 
 5 “Mwenje weakaipa unodzimwa; 
murazvo womoto wake unopera kupisa. 
 6 Chiedza chiri mutende rake chinova rima; 
mwenje uri parutivi pake unodzima. 
 7 Simba renhambwe dzake rinorukutika; 
mano ake pachake anomuwisira pasi. 
 8 Tsoka dzake dzinomuwisira mumumbure, 
uye anodzungaira ari mumaburi awo. 
 9 Musungo unomubata chitsitsinho; 
rugombe runomubatisisa. 
 10 Chishwe chakavanzwa muvhu nokuda kwake; 
musungo wakaradzikwa munzira yake. 
 11 Kutyisa kunomuvhundutsa kumativi ose, 
uye kunomuteverera panhambwe dzake dzose. 
 12 Pfumvu inomudokwairira; 
njodzi yakamugaririra paanowa. 
 13 Inodya zvikamu zveganda rake; 
dangwe rorufu rinopedza mitezo yake. 
 14 Anodzurwa kubva patende raanovimba naro 
agoendeswa kuna mambo anotyisa kwazvo. 
 15 Moto unogara mutende rake; 
safuri inopisa inoparadzirwa pamusoro pougaro hwake. 
 16 Moto unogara mutende rake; 
uye matavi ake anosvava kumusoro. 
 17 Kurangarirwa kwake kunopera panyika; 
haana zita munyika. 
 18 Anobviswa pachiedza achiendeswa murima, 
uye anodzingwa panyika. 
 19 Haana mwana kana chizvarwa chinotevera pakati pavanhu vokwake, 
hakuna akasara kwaaimbogara. 
 20 Varume vokumavirira vakakatyamara namagumo ake; 
varume vokumabvazuva vakabatwa nokutya kukuru. 
 21 Zvirokwazvo, ndizvo zvakaita ugaro hwomurume akaipa; 
iyoyi ndiyo nzvimbo yomunhu asingazivi Mwari.”