16
Jobho 
 1 Ipapo Jobho akapindura akati: 
 2 “Ndakanzwa zvinhu zvakawanda sezvizvi; 
mose muri vanyaradzi pasina! 
 3 Ko, kutaura kwenyu kwamadzokorora kwenguva refu hakuperiwo here? 
Chii chinokurwadzai kuti murambe muchiita nharo? 
 4 Neniwo ndaigona kutaura semi, 
dai imi manga muri pachinzvimbo changu; 
ndaigona kutaura mashoko okukupikisai 
uye ndigokudzungudzirai musoro wangu. 
 5 Asi muromo wangu waizokukurudzirai: 
kunyaradza kunobva pamuromo wangu kwaizokuvigirai zororo. 
 6 “Asi kana ndikataura, kurwadziwa kwangu hakuperi; 
uye kana ndikanyarara, iko hakubvi. 
 7 Zvirokwazvo, imi Mwari, mandipedza simba; 
maparadza imba yangu yose. 
 8 Makandisunga ini, uye chava chapupu; 
kuondoroka kunondiwira uye kunopupurira zvinondirwisa. 
 9 Mwari anondirova uye anondibvambura mukutsamwa kwake, 
uye anondirumanyira meno ake; 
mudzivisi wangu anondidzvokorera meso ake anobaya. 
 10 Vanhu vanoshamisa miromo yavo kuti vandiseke; 
vanondirova padama pakundimhura kwavo, 
uye vanobatana pamwe chete kuzondirwisa. 
 11 Mwari akandidzorera mumaoko avanhu vakaipa, 
uye akandikanda mumaoko avakashata. 
 12 Zvose zvakanga zvakanaka hazvo kwandiri, asi iye akandivhuna; 
akandibata napahuro akandipwanya-pwanya. 
Akandivavarira; 
 13 vapfuri vake vemiseve vakandikomba. 
Anobaya itsvo dzangu asina tsitsi, 
uye anodururira nduru yangu pasi. 
 14 Nguva nenguva anondirwisa; 
anondidzingirira somurwi. 
 15 “Ndakasona nguo dzamasaga kuti ndifukidze ganda rangu, 
uye ndaviga huma yangu muguruva. 
 16 Chiso changu chatsvuka nokuchema, 
rima guru rakomberedza meso angu; 
 17 asi zvazvo maoko angu haana kuita chisimba, 
uye munyengetero wangu wakachena. 
 18 “Iwe nyika, rega kufukidza ropa rangu; 
kuchema kwangu ngakurege kuwana zororo! 
 19 Kunyange iko zvino chapupu changu chiri kudenga; 
murevereri wangu ari kumusoro. 
 20 Murevereri wangu ndiye shamwari yangu, 
meso angu paanodurura misodzi kuna Mwari; 
 21 anomira pachinzvimbo chomunhu achikumbira kuna Mwari, 
somunhu anokumbirira shamwari yake. 
 22 “Makore mashoma bedzi asara, 
ndisati ndaenda parwendo rusingadzokwi.