11
Rudo rwaMwari kuna Israeri 
 1 “Israeri paakanga achiri muduku, ndaimuda, 
uye ndakadana mwanakomana wangu kubva kuIjipiti. 
 2 Asi pandakanyanya kuvadana, 
vakatonyanya kunditiza. 
Vakabayira kuna vanaBhaari 
uye vakapisira zvinonhuhwira kuzvifananidzo. 
 3 Ndini ndakadzidzisa Efuremu kufamba, 
ndichivasesedza namaoko avo; 
asi havana kuzvicherechedza 
kuti ndini ndakavarapa. 
 4 Ndakavatungamirira nerwodzi rwounyoro hwomunhu, 
nezvisungo zvorudo; 
ndakasimudza joko kubva pamutsipa wavo 
ndikakotama kuti ndivape zvokudya: 
 5 “Havangadzokerizve kuIjipiti 
uye vaAsiria havangavatongi here 
nokuti vakaramba kutendeuka? 
 6 Minondo ichapenya mumaguta avo, 
ichaparadza mazariro pamasuo avo 
uye ichagumisa zvirongwa zvavo. 
 7 Vanhu vangu vazvipira kutsauka vachibva kwandiri. 
Kunyange dai vakadana kuna Iye Wokumusoro-soro, 
haangatongovasimudziri kunyange nenzira ipi zvayo. 
 8 “Ndinokuregedza seiko, Efuremu? 
Ndingakuendesa seiko, Israeri? 
Ndingakuitireiko saAdhima? 
Ndingakuenzanisa sei naZebhoimi? 
Mwoyo wangu washanduka mukati mangu; 
tsitsi dzangu dzose dzamutswa. 
 9 Handingazadzisi kutsamwa kwangu kukuru 
kana kutendeuka kuti ndiparadze Efuremu. 
Nokuti ndiri Mwari, kwete munhu, 
Mutsvene pakati penyu. 
Handingauyi ndakatsamwa. 
 10 Vachatevera Jehovha; 
achaomba seshumba. 
Paachaomba, 
vana vake vachauya vachidedera vachibva kumadokero. 
 11 Vachauya vachidedera 
seshiri vachibva kuIjipiti, 
senjiva vachibva kuAsiria. 
Ndichavagarisa mudzimba dzavo,” 
ndizvo zvinotaura Jehovha. 
Chivi chaIsraeri 
 12 Efuremu andikomberedza nenhema, 
imba yaIsraeri nounyengeri. 
Uye Judha akasindimara pamberi paMwari, 
kunyange pamberi paIye Mutsvene Akatendeka.