7
 1 Pose pandinoda kuporesa Israeri, 
zvivi zvaEfuremu zvinoiswa pachena 
uye mhosva dzeSamaria dzinobudiswa pachena. 
Vanoita zvounyengeri, 
mbavha dzinopaza dzimba, 
uye makororo anotorera vanhu zvinhu munzira; 
 2 asi havazivi kuti 
ndinorangarira zvakaipa zvose zvavanoita. 
Zvivi zvavo zvinovakomberedza; 
zvinoramba zviri pamberi pangu nguva dzose. 
 3 “Vanofadza mambo nezvakaipa zvavo, 
machinda nenhema dzavo. 
 4 Vose imhombwe, 
vanopisa sechoto, 
moto wacho usingadi mukanyi wechingwa kukuchidzira, 
kubva pakukanywa kwebundu rechingwa kusvikira chafuta. 
 5 Pazuva romutambo wamambo wedu 
machinda anorwara nokuda kwewaini, 
uye iye akabatana navaseki. 
 6 Mwoyo yavo yakafanana nechoto; 
vanouya kwaari nounyengeri, 
ruchiva rwavo runonyeketa somoto usiku hwose; 
mangwanani ruchizopfuta serimi romoto. 
 7 Vose zvavo vanopisa sechoto; 
vanoparadza vatongi vavo. 
Madzimambo avo ose anowira pasi, 
uye hapana kana mumwe wavo anodana kwandiri. 
 8 “Efuremu anovhengana namarudzi; 
Efuremu chingwa chitete chisina kushandurwa. 
 9 Vatorwa vakamusveta simba rake, 
asi iye haazvizivi. 
Bvudzi rake rava kuchena, 
asi iye haazvicherechedzi. 
 10 Kuzvikudza kwaIsraeri kunomupupurira zvakaipa, 
asi kunyange zvakadaro 
haadzoki kuna Jehovha Mwari wake 
kana kumutsvaka. 
 11 “Efuremu akaita senjiva, 
inonyengereka zviri nyore uye isina njere, 
zvino anodana kuIjipiti, 
mushure anoenda kuAsiria. 
 12 Pavachaenda, ndichakandira mumbure pamusoro pavo; 
ndichavakwevera pasi seshiri dzedenga. 
Pandichavanzwa vachibhururuka pamwe chete, 
ndichavabata. 
 13 Vane nhamo, 
nokuti vakarasika vachibva kwandiri! 
Ngavaparadzwe, 
nokuti vakandipandukira! 
Ndinoshuva kuvadzikinura, 
asi vanondirevera nhema. 
 14 Havachemi kwandiri zvinobva pamwoyo yavo, 
asi vanoungudza vari panhoo dzavo. 
Vanounganira zviyo newaini itsva 
asi vanondifuratira. 
 15 Ndakavadzidzisa ndikavasimbisa, 
asi vanorangana kundiitira zvakaipa. 
 16 Havadzokeri kuna iye Wokumusoro-soro; 
vakafanana nouta hunonyengera. 
Vatungamiri vavo vachaparadzwa nomunondo, 
nokuda kwamashoko avo ounhubu. 
Nokuda kwaizvozvi vachasekwa 
munyika yeIjipiti.