35
Mufaro waVakadzikinurwa 
 1 Gwenga nenyika yakaoma zvichafara; 
sango richafara kwazvo uye richatumbuka; 
seruva,  2 richatumbuka; 
richafara zvikuru uye richapembera nomufaro. 
Mbiri yeRebhanoni ichapiwa kwariri, 
kunaka kweKarimeri neSharoni; 
vachaona kubwinya kwaJehovha, 
nokunaka kwaMwari wedu. 
 3 Simbisai maoko asina simba, 
tsigirai mabvi anodedera; 
 4 muti kuna avo vane mwoyo inotya, 
“Simbai, musatya; 
Mwari wenyu achauya, 
achauya nokutsiva, 
nokuripira kutsvene 
achauya kuzokuponesai.” 
 5 Ipapo meso amapofu achasvinudzwa 
uye nzeve dzematsi dzichazarurwa. 
 6 Ipapo akaremara achakwakuka senondo, 
uye rurimi rwechimumu ruchaimba nomufaro. 
Mvura ichatubuka murenje, 
uye nehova dzemvura mugwenga. 
 7 Jecha rinopisa richashanduka rikava dziva, 
ivhu rine nyota richava zvitubu zvemvura. 
Maigara makava noumo maaimbovata, 
muchamera uswa, netsanga nenhokwe. 
 8 Ipapo pachava nomugwagwa; 
uchanzi Nzira yoUtsvene. 
Vane tsvina havangazofambi mairi; 
ichava yaivavo vanofamba muNzira iyoyo; 
vakaipa namapenzi havangazofambi mairi. 
 9 Hapangavi neshumba ipapo, 
kana chikara chipi zvacho chichawanikwapo. 
Asi vakadzikinurwa voga ndivo vachafambamo, 
 10 uye vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka. 
Vachapinda muZioni vachiimba; 
mufaro usingaperi uchava pamusoro pavo. 
Vachawana mufaro nokufarisisa, 
kusuwa nokuneta zvichatiza.